Mharidzo Pamusoro paVaGaratia--Kubva paKudzingiswa kwepaNyama Kuenda kuDaviro yeKutendeuka ( I )
ebook
By Paul C. Jong

Sign up to save your library
With an OverDrive account, you can save your favorite libraries for at-a-glance information about availability. Find out more about OverDrive accounts.
Find this title in Libby, the library reading app by OverDrive.

Search for a digital library with this title
Title found at these libraries:
Library Name | Distance |
---|---|
Loading... |
Daviro yeKutendeuka Yakaringana Kuti Ikurwarise Pamweya
Vanhu vari panyika pose vanotya hutachiwana hwakaita seSARS, nekuti vanogona kufa mushure mekutapurirwa nehutachiwona uhu husingaoneke nemeso.
Saizvozvowo, vaKristu vari panyika pose mazuva ano vari kufa panyama nepamweya kuburikidza nekupiwa chirwere chedaviro yekutendeuka. Ndiyani angaziva kuti daviro yekutendeuka yakaresveka kudaro?
Unoziva here kuti ndiyani akaita kuti vaKristu vawire mugomba rekuvhiringidzika pamweya? Ndivo vaKristu vatadzi pachavo avo vanopira minamato yekutendeuka zuva nezuva kuti vacheneswe pazvivi zvavanoita apo vachireva ivo kuti vanodavira kuna Jesu Kristu seMuponesi wavo.
Naizvozvo, munofanira kugamuchira kuregererwa kwezvivi kuburikidza nekudavira kuShoko reevhangeri yemvura noMweya iyo yatakapiwa naMwari pakutanga. Hamufanire kurasikirwa nemukana wakaropafadzwa wekuzvarwa patsva. Isu tose tinofanira kutiza bako rine rima rekuvhiringidzika pamweya kuburikidza nekudavira kuZvokwadi yeevhangeri yemvura noMweya. Tichabva tagona kutarisa chiedza chinopenya cheZvokwadi, icho chakauya neevhangeri yemvura noMweya.