Mharidzo Pamusoro Peevhangeri Yamateo (I)--Ko Mukristu Angaita Hurukuro Yepamoyo Naishe Panguva Ipi?
ebook
By Paul C. Jong
Sign up to save your library
With an OverDrive account, you can save your favorite libraries for at-a-glance information about availability. Find out more about OverDrive accounts.
Find this title in Libby, the library reading app by OverDrive.

Search for a digital library with this title
Title found at these libraries:
Library Name | Distance |
---|---|
Loading... |
Mupostori Mateo ari kutiudza kuti Shoko raJesu rakataurwa kuvanhu vese panyika, nekuti akaona Jesu saMambo wemadzimambo. Parizvino, vaKristu pasi pose, avo vachangobva mukuzvarwa patsva kuburikidza nekudavira kuevhangeri yemvura noMweya yatiri kugovera, vari kudokwairira kudya chingwa chehupenyu. Asi zvakavaomera kuti vave neruwadzano nesu muevhangeri yezvokwadi, sezvo vose vari kure nesu. Naizvozvo, kuti tizadzise zvishuwo zvepamweya zvevanhu vaJesu Kristu, Mambo wemadzimambo, mharidzo dziri mubhuku rino dzakagadzirwa sechingwa chitsva chehupenyu kuti vadye vagokura pamweya. Munyori anodudza kuti avo vakagamuchira kuregererwa kwezvivi zvavo kuburikidza nekutenda kuShoko raJesu Kristu, Mambo wemadzimambo, vanofanira kupanga Shoko rakaisvonaka kuti vagochengetedza kutenda kwavo uye nekurera hupenyu hwavo hwepamweya. Bhuku rino rinopa chingwa chehupenyu chaicho chepamweya kwamuri mese makava vanhu vehumambo hwaIshe nekutenda. Kuburikidza neKereke yake uye nevaranda vake, Mwari acharamba achikupai chingwa chehupenyu ichi. Dai waro maropafadzo aMwari ava pamusoro penyu mese imi makazvarwa patsva nemvura noMweya, iyemi munodokwairira kuva neruwadzano rwepamweya rwechokwadi nesu muna Jesu Kristu.