Mharidzo Pamusoro paGenesisi (I)--KUDA kwa Mutsvene Vatatu-mumwe kuVaNHU veNYAMA
ebook
By Paul C. Jong
Sign up to save your library
With an OverDrive account, you can save your favorite libraries for at-a-glance information about availability. Find out more about OverDrive accounts.
Find this title in Libby, the library reading app by OverDrive.

Search for a digital library with this title
Title found at these libraries:
Library Name | Distance |
---|---|
Loading... |
Mubhuku yaGenesisi munotsanangurwa chinangwa icho Mwari akatisika. Kana vanogadzira hurongwa hwedzimba vachironga mamiriro echivakwa kana kuti vanopenda vachigadzira mifananidzo, vanotanga vawumba zano rechivakwa chavanoda kuita mupfungwa dzavo vasati vatanga basa racho. Saizvozvo, Mwari wedu akanga aine zano rekuponeswa kwedu mupfungwa dzake asati asika matenga nenyika, uye akasika Adhamu naEva nechinangwa ichi mupfungwa dzake. Uye Mwari akanga achida kutitsanangurira nzvimbo yeDenga, iyo isingaonekwi nemaziso enyama, asi nekushandisa muenzaniso wepanyika tinogona kuona tose uye nekunzwisisa.
Kunyange nyika isati yavepo, Mwari akanga achida kuponesa munhu zvakakwana kuburikidza nekupa evhangeri yemvura noMweya kumoyo wemunhu wese. Naizvozvo, kunyange zvazvo vanhu vose venyama vakasika kubva muhuruva, vanofanira kudzidza uye nekuziva Zvokwadi yemvura noMweya kuti zvigonakira moyo yavo pachavo. Kana vanhu vakaramba vachirarama vasingazive hukuru hweDenga, vacharasikirwa kwete nezvinhu zvepanyika bedzi, asi nezvinhu zvese zveDenga.