Idyai Nyama Yangu Uye Inwai Ropa Rangu--Mharidzo Pamusoro peEvhangeri yaJohane (III)
ebook
By Paul C. Jong
Sign up to save your library
With an OverDrive account, you can save your favorite libraries for at-a-glance information about availability. Find out more about OverDrive accounts.
Find this title in Libby, the library reading app by OverDrive.

Search for a digital library with this title
Title found at these libraries:
Library Name | Distance |
---|---|
Loading... |
Jesu Kristu Akatipa Hupenyu Husingaperi Kuburikidza neNyama Yake Uye neRopa Rake
Kereke inochengeta zvirango zviviri izvo zvakarairwa naJesu Kristu. Chekutanga ndeche bhapatidzo, uye chechipiri ndeche Chirairo Chitsvene. Tinodya Chirairo tichidzeya evhangeri yeZvokwadi yakaratidzwa kuburikidza nechingwa newaini, tichirangarira evhangeri ino.
Kana pari pachirango cheChirairo Chitsvene, tinodya chingwa tichirangarira nyama yaJesu, uye tinonwa waini semhemberero yeropa rake. Nekudaro, dudziro chaiyo yeChirairo Chitsvene ndeyekusimbisa kutenda kwedu muZvokwadi yekuti Jesu akatiponesa pazvivi zvenyika uye akatipa hupenyu hutsva kuburikidza nebhapatidzo yake uye nekufa kwake paMuchinjikwa.
Asi, dambudziko nderekuti vaKristu vose vanodya Chirairo Chitsvene sechirango bedzi, pasina kana kuziva kuti chirevo chekuti, "Nyama yangu ndiyo chekudya chaicho, uye ropa rangu ndiro chekunwa chaicho" (Johane 6:55). Naizvozvo, mukati meevhngeri yemvura noMweya, tinofanira zvakare kunangana nedudziro yekuraira kwaJesu kuti tidye nyama yake uye nekunwa ropa rake, uye tigodavira kwairi.